Europe

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Europe topography map en.png

Europe rimwe rematunhu ziendanakuenda anonzi ziwumbe kana kuti "continent kuEnglish". Izwi rokuti continent rinoreva continous land. Ziwumbe reEurope ndiko kunobva Varungu kwavakapararira vachibva vakanotapa nokutonga nzvimbo dzinoti: Australia; United States of America; Canada neNew Zealand.

Taranyika[chinja | edit source]

Europe ndiyo chikamu chiri kumadokero kweziendanakuenda reEurasia. Asia neEurope dzine muganhu pachisuvi chemvura chiri pamakomo eUral neCaucasus, parwizi Ural, negungwa Caspian Sea neBlack Sea. Dzinoganhurana zvakare pamvura inobatanidza Black Sea neAegean Sea. KuMaodzanyemba kweEurope kune Artic Sea nemamwe makungwa, kuMadokero kune gungwa Atlantic, kuChamhembe kune gungwa Mediterranean neBlack Sea nemuronga unobatanidza magungwa aya. Europe inopatsanurana neAfrica pagungwa reMediterranean iyo iri kuMaodzanyemba kweAfrica.

Europe ndiyo ziwumbe rechipiri pakudupuka kwenharaunda; ziwumbe iri rine nharaunda inokwana square kilometres zvinova zvikamu 6.8% chenharaunda inevhu Pasirose. Europe ine nyika dzinoda kusvika makumi mashanu (50), Russia iriyo nyika hombe pakuwanda kwevanhu nenharaunda. Vatican city ndiyo yakanyanya kudupuka. Europe ndiro ziwumbe rechitatu pakuwanda kwehugari hwevanhu ichitevera Asia neAfrica. Europe ine vanhu 733 million chinova chikamu gumi nerimwe kubva muzana (11%) chehugari hwevanhu Pasirose. Mugore ra1900 zvinofungidzirwa kuti Europe yaive nehugari hwevanhu vanokwana zvikamu makumi maviri nemashanu (25%) yevanhu Pasirose.

Russia ine zvikamu zvevhu muEurope zvese neAsia.


Ziwumbe


Europe

Albania · Andorra · Armenia · Austria · Azerbaijan · Belarus · Belgium · Bosnia and Herzegovina · Bulgaria · Croatia · Cyprus · Czechia · Denmark · Estonia · Finland · France · Georgia · Germany · Greece · Hungary · Iceland · Ireland · Italy · Kazakhstan · Latvia · Liechtenstein · Lithuania · Luxembourg · Macedonia · Malta · Moldova · Monaco · Montenegro · Netherlands · Norway · Poland · Portugal · Romania · Russia · San Marino · Serbia · Slovakia · Slovenia · Spain · Sweden · Switzerland · Turkey · Ukraine · United Kingdom · Vatican City