Mutauro

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Mutauro hunhu wevanhu unoita vakwanise kutaurirana, uye mutauro unorevawo muenzaniso wezvinoitika. Ruzivo rwakadzama nezvemitauro runonzi linguistics. Nyanzvi dzemitauro dzinonzi vanagodobori.

Pane kufungidzirwa kwehuwandu nezvemitauro pasirose yakasiyana-siyana pakati pe5000 ne7000. Nyanzvi dzinofungidzira kuti pakati pemakumi mashanu kubva muzana yemitauro kuchange kuchina zvekuti pakupera kwegore 2100 inenge yaparara.

Mitauro iri kushanduka nekufamba kuri kuita nguva, nemunhoroondo yekushanduka inogona kuvakiridzwa nekuenzaniso nemitauro yemazuva ano. Mitauro inotaurwa nevanhu vakabva kumadzitateguru ane madzinza akafanana vanotaura muri mitauro yakafanana (language family).

Marudzi anonyanyotaurwa anosanganisira mitauro yeChiIndo-European (neChirungu neChiSpanish), mitauro yeChiSino-Tibetan (neChiMandarin, ChiCantonese), mitauro yeChiAfro-Asiatic (neChiArabic, ChiAmharic, ChiSomali, neChiHebrew), nemitauro yeChiBantu (neChiSwahili, ChiZulu, ChiShona).

Mazwi anoshandiswa kutsanangura zvemaumbirwo omutauro

ChiShona ChiRungu
bazi (romutauro) dialect
bumbiro remabhi alphabet
(chi)dudzirachiito adverb
chiitirwa object
chiito verb
chirevo sentence, clause
chisazita pronoun
chivakamberi suffix
chivakashure prefix
donzo rechiito mood
donzo rechishuwo subjunctive mood
hwidzazwi high tone
izwi rokutapa loan word
izwifanana, fananadudziro synonym
kwarakabva (izwi) etymology
maumbirwo (omutauro) grammar, structure of the language
muiti subject
ndevohuru main clause
nguva (yechiitiko) tense
nguva ichangopfuura recent past tense
nguva ichauya future tense
nyaudzira, vara syllable
rudzi word class
ushoma singular
uwanda, uzhinji plural
varamai, nyanzvira consonant
varamwana, nzvovera vowel
zita noun