Mugodhi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Kansanshi.jpg

Mugodhi (Mine in English) imhando yehushangazhi hunochera matombo akakosha kubva muvhu, nokukorora simbi kubuda mumatombo anenge acherwa. Matombo aya anogona kunge aine simbi dzakakosha kana kuti achishandiswa mune mamwe mabasa anowanikwa muhushangazhi.

  • Munyika yeZimbabwe mune migodhi inochera simbi dzakakosha dzinoti:ndarama; platiunum; chrome uye lithium.
  • Kunoitawo migodhi inochera mamwe matombo asiri esimbi anoti: ngoda; limestone; magnesium uye silicates.
  • Matombo ane simbi yakakosha anodanwa kunzi chitofu - (ore in English).
  • Matombo asina simbi yakakosha anodanwa kunzi mambara - (waste rock in English).