Mapurisa asunga vechidiki vana mubato reMDC T vachivapomera mhosva yekuve nechekuita nekurohwa kwemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, masvondo maviri apfuura
Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti pachine mhuri mazana mapfumbamwe dzichiri kuda kubviswa munzvimbo ine dambudziko remafashamu emvura kuTokwe-Mukosi.
Vaimbova nhengo yekongiresi mu America, Va Melvin Reynolds, vabatwa nemhosva yekugara mu Zimbabwe vasina mvumo vakanzi vaburitswe munyika sezvinodiwa nemitemo.
Mukuru we United Nations World Food Program pasi rose, Amai Ertharin Cousin, vapedza rwendo rwavo rwemazuva maviri kuZimbabwe vachikumbira rubatsirwo rwemari kuti sangano ravo rikwanise kupa chikafu vanhu vakatarisana nenzara munyika.
Vaimbova nhengo yedare reCongress muAmerica vachimirira bato remaDemocrats, Va Melvin Jay Reynolds, vamiswa pamberi pedare muHarare neChitatu vachipomerwa mhosva yekuva nemifananidzo yevanhu vari kuita zvepabonde pamwe nekugarisa munyika zvisiri pamutemo.
Zimbabwe yavhura mwaka wekutengeswa kwefodya muHarare neChitatu mutengo wepamusoro uchinzi wapinda mumadhora mashanu pakirogiramu imwe chete.